Sezvazvakaitawo kuti kune mirau inobata masimba enyika inonzi neChirungu "Physical Laws" ndizvo zvazvakaitawo kuti kune mirau yemweya iyo inotonga kuwirirana kwako naMwari.
|
MURAU WOKUTANGA MWARI ANOKUDA, UYEWO ANE ZVINHU ZVAKA-ISVONAKA ZVAAKARONGERA UPENYU HWAKO.
|
Johane 3:16 ''Nokuti Mwari wakada nyika kudai, kuti wakapa Mwanakomana wake kwairi, waka-berekwa achingova mumwe oga, kuti ani nani anotenda kwaAri, arege kufa, asi ave neupenyu husingaperi."
Johane 10:10b (Kristu anotaura) " . . . Ini ndakauya kuti vave neupenyu, uye vave nohwakawanda kwazvo."
Chikonzero ndechekuti

|
MURAU WECHIPIRI
MUNHU MUTADZI UYEWO AKAPESANISWA KUBVA
|
VaRoma 3:23 "nokuti vose vakatadza, vakataira pakubwinya kwaMwari''. (Chinonzi chitadzo kuita zvinhu zvisingawirirane naMwari, uyewo chinogona kuzivikanwa nezvinoitwa nemunhu zvinoonekwa, kana zvisingaonekwi zvokupandukira Mwari.)
|
MURAU WECHITATU JESU KRISTU NDIYE CHETE MUNHU ATAKAPIHWA
|

Johane 14:6 ''Jesu akati kwaari: Ndini nzira, nechokwadi neupenyu; hapana munhu anouya kuna Baba asi napandiri.''
11 VaKorinte 5:21 ''Uya, wakanga asingazive zvitadzo, wakamuita kuti ave zvitadzo nokuda kwedu, kuti isu tigove kururama kwaMwari maari."Hazvibatsire kungoziva mirau mitatu iyi yoga, kana kuitenda iyo . .
|
MURAU WECHINA
TAKAFANIRA KUGAMUCHIRA JESU KRISTU
|
"Kugamuchira" Kristu kunoreva kuzvipira chose chose nounhu, pfungwa, shungu, nokuda kwako kwose. (Kushanduka kweupenyu kunozoitika kana munhu uchinge watora chinhanho chokutanga ichi kungaitike zvishoma nezvishoma, kana kungagone kukurumidza kuitika, zvichifambirana nechimiro chomunhu wacho.)
"Ishe Jesu, regererai zvitadzo zvangu. Ndinozarura musuo wemwoyo wangu ndichikugamuchirai se-Muponisi naShe wangu. Chitongai hwose upenyu hwangu. Ndishandurei kuti ndive munhu wamunoda. Ndinokutendai nokuuya muupenyu hwangu nokunzwa munamato wangu sokuvimbisa kwamakaita"
Wakumbira here kuti Kristu auye muupenyu hwako? Wakumbira nechokwadi chemwoyo wako here ? Iye zvino aripi zvauri ipapo ? Kristu akati Iye anouya muupenyu hwako. Unofunga angakunyengedze here? Ko, zvino unoti aripi? Chii chinhu chinokuzivisa kuti ndizvo zvinoitika ? (Chinhu chinondizivisa izvi ndechekuvimbisika kwake Mwari nekweShoko rake.)
1 Johane 5:10-13 "Uyo anotenda kuMwanakomana waMwari, kupupura anako mukati make. Asingatendi kuna Mwari, wamuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda kupupura kwakapupura Mwari pamusoro poMwanakomana wake. Zvino kupupura ndokuku kwokuti Mwari wakatipa upenyu husingaperi; zvino upenyu uhwu huri muMwanakomana wake. Munhu ano Mwanakomana, ano upenyu; asina Mwanakomana waMwari haana upenyu. Ndakakunyorerai zvinhu izvi kuti muno upenyu husingaperi, iyemi munotenda kuzita roMwanakomana waMwari."
V. Verenga Shoko raMwari, tanga neVhangeri raJohane (Mabasa 17: 11)
T. Teerera Mwari nguva dzose (Johane 14:21)P. Pupurira Kristu zuva rose rose (Mateo 4:19; Johane 15:8)
VB. Vimba naMwari muzvinhu zvose zveupenyu hwako ( 1 Peter 5: 7)M. Mweya Mutsvene - Mubvumire kuti akutonge agokupa simba kuupenyu hwako zuva nezuva ungagonawo kumupupurira (VaGaratia 5:16-17, Mabasa 1: 8)
MuvaHeberu 10:25 tinokumbirwa kuti "Tisaregkuenda kwatinoungana pamwe chete . . .'' Matae nda mazhinji kana akakuhwidzwa ose pamwe chete anobvira moto unojekesa zvikuru. Asi ukabisa rimwe danda ugoriisa paro rega pakatonhora. moto unobva wadzima. Izvi ndizvo zvazvakangoitawo pakuwadzana kwako navamwe VaKristu. Kana usiri nhengo yeimwe Chechi usamirire kuti ugotanga wakokwa. Zviitire iwe pachako. Enda kuna Mufundisi wechechi iri pedyo nemi iyo inodzidzisa nekukudza Kristu inoparidza Vhangeri romu Bhaibheri. Chitogadzirira iye zvino kuti utange musi weSvondo iri kuuya ugozogarawo uchingopinda svondo roga roga
|
ADDITIONAL ASSISTANCE If you've just asked Jesus Christ into your life, please click here and tell us about it. We would love to hear from you and help you grow in your faith. If you still have a question, please click here. |
| © 1995-2001 Campus Crusade for Christ International Questions and Comments are always welcome! http://www.4laws.com/laws/shona/default.htm |